WInky D – Vashakabvu Lyrics
WInky D – Vashakabvu Lyrics
Ndipe pen nepepa
Ndinyore letter
Maninja
Kunevakatisiya kuma 90s, ma 80s, ma 70s
Tiva tipe Pasi pano pane machanges
Vashabvu mayiri mapagraph
Makatisiya asitichine love
Muchirira mumhabvu
Vaititsvaira ava vaitamba nhabvu
Vese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough
Ndombosimbisa vasina kupinda muma 90s
VemuZimbabwe chete kwete vemumwe muma countries
Phone kugara muhomwe dzichi user mabatteries
MaiChina avemuno ovhura mafactories
Ndomboudza vaimbi vaitsikisa mumhanzi
Zvandinoziva handivaudze ndichiti hanzi
Makasiya Leornard Dembo achiroka danzi
Zvino yangova maninja ayenda nechibhanzi
Nziyo dziya dzamakasiya dziri parecord
Takudzitora zvino toisa muiPod
Dzopihwa mahara nekuda kwetechology
Mhuri dzenyu hadziwanye chinhu kana chibodzi
Makasiya Mukhanya aripamberi paTuku
Zvino zvachinja Zimbabwe yose yongoti Tuku
Hayiwa zvaita vaMtukudzi zvikukutu
Vashabvu mayiri mapagraph
Makatisiya asitichine love
Muchirira mumhabvu
Vaititsvaira ava vaitamba nhabvu
Vese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough
Ndombotsanangura magariro edu netsika
Ndinoona vanhu vazhinji zvino varasaika
Tinenge takutevera yavo kuno kumanyika
Zvaitika hazvichafadza uyo akatisika
Pfekero yoita vasikana moshamisika
Munozviramba ndoyamakasiya irimimba
Dzatova mhandara dzakutomboita zvepanyika
Kuti mutsuure voti hauzive zvirikuitika
Mari yoshandiswa kuno ndeye kuAmerica
Zim dollar hakuna kana achamboiyeuka
Hakuchisina call box pane maCellular
MaComputer dzimbo dzose takungo googoola
MaBoy sky aye amakavaka takapunza
Zvakanzi haasi pamutemo asi hamuna kutiudza
Pane Unity Government ndovimba makaudzwa
Mabato enyika obatana nyika tosimudza
Mukaona mbuya nehanda mobva mavaudza
Pangu ndasakura ndazunza
Kunevakatisiya kuma 90s, ma 80s, ma 70s
Tiva tipe Pasi pano pane machanges
Vashabvu mayiri mapagraph
Makatisiya asitichine love
Muchirira mumhabvu
Vaititsvaira ava vaitamba nhabvu
Vese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough
Vaiiti maBorn Free tinonetsa
Havana kukwanisa kuona maBorn Facebook
Avako mazuva ano