Oliver Mtukudzo- Tozeza Lyrics

Imi baba manyanya
Kurova Amai
Ndimi baba manyanya
Kurova Amai
Munoti isu vana
Tofara sei?
Isusu vana tigafare seiko?

Kana mai vachichema pameso pedu
Kana mai vachingochema pameso pedu

Imi baba manyanya
Kurova Amai
Ndimi baba manyanya
Kutuka Amai
Munoti isu vana
Tofara sei?
Isusu vana tigafare seiko?

Kana mai vachichema pameso pedu
Kana mai vachingochema pameso pedu

Mati ponda hako ndifire pavana vangu
Ponda hako ndifire pavana vangu

Tozeza Baba
Tozeza baba
Baba chidhakwa
Tozeza baba
Tozeza baba
Tozeza baba
Vauya vadhakwa
Tozeza baba
Tozeza baba
Tozeza baba
Baba chidhakwa
Baba chidhakwa
Baba chidhakwa

Hoi hoi manyanya aa
Hoi hoi manyanya kurova amai

Chavanotadza chiiko
Chinomirira madhakiwa
Idoro here rinoti
Mai ngavatukwe
Idoro here rinoti
Mai ngavarohwe

Tozeza Baba
Tozeza baba
Baba chidhakwa
Tozeza baba
Tozeza baba
Tozeza baba
Vauya vadhakwa
Tozeza baba
Tozeza baba
Tozeza baba
Baba chidhakwa
Baba chidhakwa

Hoi hoi manyanya aa

Oo baba!!
Oo baba!!

Tagged

You cannot copy content of this page