Winky D ft. Tocky Vibes – Chauruka lyrics

Winky D ft. Tocky Vibes – Chauruka lyrics

Kutonhodzwa kwaChauruka
Huhwi huhwi, huhwi huhwi
Huhwi huhwi, huhwi huhwi
Ndandi go round, yeah
Iwe iwe

Variko mukurarama kwedu (Chamakuvangu)
Vanozvitutumadza tikuona zvedu
(Iwe iwe iwe nhai)
Vanoteedzera kurira ngoma inoti pangu-pangu (inini zvangu)
Nyangwe kunoku Oskid inorira pangu pangu
(Maiwe iwe iwe)

Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaive denga vachaburuka
Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaipembera vachasuduruka
Pacharira mupururu (mupururu)
Mupururu (mmmh)
Pacharira mupururu (mupururu)
Mupururu

Pasi pano hapanzwarwo
Pakaturunura mikono
Kudzikama kune mubairo, saka famba uine muono
Vamwe vachiti ndisu vachenjeri vakabva kuMabvazuva
Muchatsigirwa nevanyengeri, muchatadza kupapfuura

Saka dzikama wamai, dzikama
Dzikama, dzikama
Saka dzikama wamai, dzikama
Dzikama, dzikama

Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaive denga vachaburuka
Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaipembera vachasuduruka
Pacharira mupururu
Mupururu
Pacharira mupururu
Mupururu

Heya
Remekedza vanodzika gomo paunorikwidza iwe
Nokuti paunenge wavakudzidza vanogona vorikwidza iwe
Munhu wese wenyama anodarika
Saka rega kundidadira
Chete iwewe hauudzike
Chete iwewe hautsiurike
(Nhai veduwe) Iwe iwe
Chinobhururuka chinomhara, usabva wanyanyozvikudza kuvarombo
Uchikanda matobo
Hatisi kurwa, hatisi kurwa
Kungotsiurana
Uchinge wavhurwa, wavhurwa

Kutonhodzwa kwaChauruka
Vanozvikudza vachaninipwa
Kutonhodzwa kwaChauruka
Vanorema vachatoreruka
Pacharira mupururu (mupururu)
Mupururu
Nemuridzo mhururu (mhururu)
Hoo-ooh

Manyemwe nemunyama zvine hochekoche, zvinofambidzana
Vemanyemwe havatore nguva kupukuta misodzi pamatama
Achadzikamisa hama achafara ramangwana
Tsiuranayi pahukama
Pakudonha mogamhana

Haiwa dzikama wamai, dzikama
Dzikama, dzikama
Dzikama wamai, dzikama
Dzikama, dzikama

Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaive denga vachaburuka
Kutonhodzwa kwaChauruka
Vaipembera vachasuduruka
Pacharira mupururu
Mupururu (mupururu)
Pacharira mupururu
Mupururu (mhururu)

You cannot copy content of this page