Mambo Dhuterere – Reurura Lyrics

Mambo Dhuterere – Reurura Lyrics

Lyrics For Reurura By Mambo Dhuterere & Seh Calaz

Seh Calaz

Kwatinobva kunosiyana asi naMwari tasangana

Oh nanana eey

Inini ndiri mubhanditi

ndauya kwamuri mufundisi

ndodawo mundidzidzise

shoko raMwari handipikise

Mambo Dhuterere

mharidzo yenyu ndaterera

Ndafunga kutendeuka ndapota mambo ndisazoyeuka

 

Mambo Dhuterere

Mmmm

Huya mubhanditi huya

Mwari ndewemunhu wese

aye yeye

ende dzenge ngirozi hwayi yadzoka mudanga

aye yeye

asi kuno kunemitemo

aye yeye

Iya yekwana Moses

aye yeye

1 mukadzi mumwe

2fodya haupute

aye yeye

Nguruve hatidye

 

Seh Calaz

Ohhhk

ko mabasa andakabata

zvose zvinu zvandakatadza

Mwari vachandiregerera here

denga ndoriona here

Mazheti taimarova mukoma

Masista taisimudza emumakona

ndaigara ndiri jeri kuchawagona

Kunyanga tainotora makona

 

Mambo Dhuterere

Denga rine ngoni dzinokanganwira

dzinokanganwira

Vhura magwaro ufunde Pauro

bvunza Paurosi

Yaitova mhondi ufunge Pauro

Nyangwe mambo Jesu vakagezwa tsoka nechifeve

Nechifeve vakazodya chikafu naZakeyo

nazakeyo, chinongodiwa chete

Reurura, reurura

unopona nenyasha reurura

Ukareurura denga unoripinda reurura

Reurura hakuna mutsvene reurura

kungoreurura unopona nenyasha reurura

 

Seh Calaz

Kwandabva ndini ndokuziva

chisarai aiwa kutamba ndapedza

ndakamboedza kuidya nyika yacho

ndakatadza ndakaedza

ndakuda kuraramira vana vangu

inga chema ndaparara mhuri yangu

ndoda kufadza amai vangu

vasanyare kuti iyeye mwana wangu

aaahayeyeyeye yee

 

huya mubhanditi huya

Mwari ndewemunhu wese

 

Ndauya mambo ndauya

Jerusarema kumusha

 

Achapembera Mesiya

Mwana adzoka kumusha

 

Ndadzoka kumusha

aye yeyeyeyeyeye yeye

You cannot copy content of this page