Mambo Dhuterere – Mweya Ndisesekedze Lyrics

Mambo Dhuterere  – Mweya Ndisesekedze Lyrics

Lyrics For Mweya Ndisesekedze By Mambo Dhuterere

Izvi zvakuda imi Messiah munditungamirire
Kana kutumira ngirozi dzongotungamira
Ndimika gwayi guru rinotungamirira
Kana kutuma Gaburona azotungamira

Bhuku randiti munodaira vanonyengeterera
Nyangwe vane mazimutoro munovatakurira
Zvino ndapfugama kukumbira munditungamirire
Ndinokumbira ngoni dzenyu dzindi tungamire

Ndipe ngoni ka ndipe, ndipe mweya ndibude

Cheukayi kuno Messiah ndine chikumbiro
Kukumbira kunge Hezekiah munobvuma here?
Hezekiah uyu wanga wofa mukamu sesekedza
Zvino ndapfugama kukumbira mundi sesekedze

Baba handimbotya kufawo ini ndinotyira vana
Mukandiisa nyika dzimu ini vanga dzungaira
Handina kuramba kuuya ini kasi ndati vana
Ndikava siya dziri pwere idzi dzinga dzungaira
Mweya wangu hauzozorora ini ndikasiya vana
Nyangwe vaweko nyika dzimu uyu ungadzungaira

Saka itayi ndimbogara mamwe makumi mana
Ndigosiyawo vayaruka ava vasadzungaira
Ndinokumbira kumbogara kana makumi mana
Ndigosiyawo vayaruka ava vasadzungaira

Izvozvi kufa ndiri Lazaro vanosara neyi
Ropafadza maoko angu aya vazopemberera
Vangakandiranwa sebhora paukama ndaenda
Kana kuturikwa mamhepo vozotetereka
Izvozvi nyika yakapanduka haichina rudo
Kuti ndikava siya vari vega ava vanga chekereswa

Chiitayi rudo kupwere idzi mundisesekedze
Ndozongofawo vayaruka vasa dzungaira
Mune rudo kupwere muchandisesekedza
Ndozongofawo vayaruka vasa dzungaira

Pane minzwa pane gomba pinda nengoni
Pane chiga chakasviba dzinga dhimoni
Famba mwanangu famba, famba nengoni

You cannot copy content of this page