Mambo Dhutere – Dare Guru Lyrics

Lyrics For Dare Guru By Mambo Dhuterere

Manuwere dare guru
Manuwere dare guru
Manuwere dare guru
Manuwere dare guru (baba emanuwere)
Manuwere dare guru(baba emanuwere)

Chiuyai ndimi dare guru imi nyika yenyu yorasiswa
(manuwere dare guru)
Dzikai ndimi dare guru imi nyika yenyu yorasiswa
(manuwere dare guru)
Dzikai ka vedare ndati nyika yenyu yorasiswa
(manuwere dare guru)
Vave kutengeswera mvura vachinzi iropa renyu baba
(manuwere dare guru)
Vari kutengeserwa mvura vachinzi iropa renyu baba
(manuwere dare guru)
Kunyange kutengeserwa ndandi vachinzi ichakuchengetedza
(manuwere dare guru)
Kunyange kutengeserwa ndandi vachinzi ichakuchengetedza
(manuwere dare guru)
Zvibepa zvine face yamufundisi hanzi zvichakuchengetedza
(manuwere dare guru)
Kunyange kutengeserwa kenduru hanzi watenga chayedza
(manuwere dare guru)
Zvekudenga zvava kutobhadhariswa kana ndimi manuwere
(manuwere dare guru)
Simba renyu ravakunetsaniwa  dare guru manuwere
(manuwere dare guru)
kuona muporofita tobhadhara mweya wenyu manuwere
(manuwere dare guru)
Zvine gumi tavakubvisa pasvondo kana ndimi manuwere

(manuwere dare guru)
Vane mari ndovopiwa zvigaro mukereke manuwere
(manuwere dare guru)
Vakachena panhumbi asi moyo yavo itsito
(manuwere dare guru)
Idi aya maperemuhwa
(manuwere dare guru)
Chenjerai aya magumba gumba
(manuwere dare guru)

Idzi in`anga mutemberi dziri
(manuwere dare guru)
Vanokuti tipe zvose zvaunazvo ishe vachakudzorera
(manuwere dare guru)
Ichi kuti chengeta mufundisi unofadza manuwere
(manuwere dare guru)

Mari yako ukapa mufundisi watofadza manuwere
(manuwere dare guru)
ukaimba kunherera watofadza manuwere
(manuwere dare guru)
Mari yako ukaipa kunherera watofadza manuwere
(manuwere dare guru)

Church yenyu ikangopa kunherera yatofadza manuwere
(manuwere dare guru)
Chirikadzi , zvirema kungangwe bofu watofadza manuwere
(manuwere dare guru)
Murifuza mukoma Thobias verengaiwo magwaro
(manuwere dare guru)
Makadzungaira sisi Ruzabeta verengaiwo magwaro

(manuwere dare guru)
Muchapfidza nemaguma guma aya hamuverenge magwaro
(manuwere dare guru)
Inzwai ndichimbokunyeurira zvinotaura magwaro
(manuwere dare guru)

Tererai ini ndimbokurukura zvinotaura magwaro
(manuwere dare guru)
Hakunai chinobva kudenga rashe chinotengeswa nemari
(manuwere dare guru)

Hachiko chingabve kudenga rashe chingatengeswa nemari
(manuwere dare guru)

Kupona inyasha dza Manuwere hazvitengeswe nemari
(manuwere dare guru)
Inyasha dzeropa pa Calvary hadzitengeswe nemari
(manuwere dare guru)
Kunyangwe ropa rake Manuwere haritengeswe nemari

(manuwere dare guru)
Zvekudenga hazvidi kubhadhariswa unotenga nenyasha
(manuwere dare guru)
Zvokupona hazvidi kubhadhariswa unopona nekutenda
(manuwere dare guru)

Chenjerai mukada kubhadhariswa munoguma maromba imi
(manuwere dare guru)
In`anga dzinoda kubhadharisa munoguma maromba
(manuwere dare guru)
Papa you my saviour your blood conquer
(manuwere dare guru)
Hehehe you  my saviour your blood conquer
(manuwere dare guru)
Your glory is upon me and    i fear no evil
(manuwere dare guru)

Your glory is upon me and i fear no evil
(manuwere dare guru)
i fear no evil
(manuwere dare guru)
i fear no evil

Read previous post:
TNS - Ayabonga Lyrics feat. Le Soul
TNS – Ayabonga Lyrics feat. Le Soul

Lyrics for Ayabonga By TNS feat. Le Soul Shona malanga ngale Woza kimi Ngifuna ukubona udali wam Ngyafa inkumbulo Nxa...

Close