Jah Signal – Ishe Lyrics

Jah Signal – Ishe Lyrics

Lyrics For Ishe By Jah Signal

So simple haaisi simple
Taedza kuidya nyika yaramba kupera.
Ndazama chose ndatadza kupedza.
Zvitadzo zvangu zvanyanya
Ndinzwei Mwari weminana
Ndinoda kupinda denga ×2

Hupenyu hwangu, hupenyu wamakandipa Ishe.
Hunoda, hunoda nyasha dzenyu Baba.
Bvisai dombo, dombo mumoyo mangu.
Baaba, kuti ndikunamatei.
Kutadza kwangu, kutadza kwandinoita Ishe.
Kunodzimbira, mavanga eMwanakomana.
Bvisai dombo, dombo mumoyo mangu.
Baaba kuti ndikunamatei.

Vazhinji vari kundisema, kunhonga mabwe votanga kunditema.
Asi mutsvene ndashaiwa. Mwari wangu inini ndabaiwa.
Ndiri bofu rinoda kuona.
Handina shangu ndinoda kufamba. Fambai neni Mambo taurai neni Mambo.
Nyika yoenda kumawere, nyika yoenda kumawere.
Satan arikuti titeere, satan arikuti tivere.
Mwari huyai mutinunure, Mwari huyai mutinunure.
Jeso tinoda timutevere, Jeso tinoda timutevere.

You cannot copy content of this page