Jah Prayzah – Mwana WaMambo Lyrics

Jah Prayzah – Mwana WaMambo Lyrics

Lyrics For Mwana WaMambo By Jah Prayzah

Mwana waMambo akachengetwa nehondo

Anenge ruva riripasanzu rinobaya

Kana womupfimba wopfimba wakaringa nzira

Nekuti hondo inouya uripo

Wakanotora wega mbeu yehuMambo

Vachazokubvunza zuva remuripo

Kana womupfimba wopfimba wakaringa nzira

Nekuti hondo inouya uripo

 

Ende haudzirote, dzinorota vamwe haudzirote

Uchatokungurutsa dombo regoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Ende hauridye rinopisa hauridye

Uchatokungurutsa dombo regoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

 

Washinga kudongorera mwana waMambo

Woshuva kusanganiswa nehuMambo

Hmm wadenha magwiro wadenha hombiro

Haikona kuzemberana nemwana waMambo

Washinga kudongorera mwana waMambo

Woshuva kusanganiswa nehuMambo

Hmm wadenha magwiro wadenha hombiro

Haikona kuzemberana nemwana waMambo

 

Wakanzi mwanasikana asabude mudendere

Muzunde raMambo mungamuke tsekwende

Mambo kwindima

Aaah kwindima

Muromo mumhino kwindima

Wakanzi mwanasikana asabude mudendere

Muzunde raMambo mungamuke tsekwende

Mambo kwindima

Aaah kwindima

Muromo mumhino kwindima

 

Nyemwerera mwana mutema

Tione saka machena aya

Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo

(Ahaaah ah)rerudo (aaaah hha)

 

Ndini uyo inzwai mukoma ndini uyo

Chengeta muhana usareve nemuromo

Ndafunga kufamba mudima

Musina anoronda

Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo

Ndini uyo inzwai mukoma ndini uyo

Chengeta muhana usareve nemuromo

Ndafunga kufamba mudima

Musina anoronda

Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo

 

Ende haudzirote, dzinorota vamwe haudzirote

Uchatokungurutsa dombo regoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Ende hauridye rinopisa hauridye

Uchatokungurutsa dombo regoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

 

Ndapfidza ndakadarika mwero ndapfidza

(tirimuchirangano)

Ndabvunza(chirangano)

KunaMwari akasika(tirimuchirangano)

Takabvumirana(chirangano)

Tichagara kwemakore zana

(tirimuchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana

(tirimuchirangano)

 

Ndapfidza ndakadarika mwero ndapfidza

(tirimuchirangano)

Ndabvunza(chirangano)

KunaMwari akasika(tirimuchirangano)

Takabvumirana(chirangano)

Tichagara kwemakore zana

(tirimuchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana

(tirimuchirangano)

 

Ndapfidza ndakadarika mwero ndapfidza

(tirimuchirangano)

Ndabvunza(chirangano)

KunaMwari akasika(tirimuchirangano)

Takabvumirana(chirangano)

Tichagara kwemakore zana

(tirimuchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana

(tirimuchirangano)

 

 

 

 

 

 

You cannot copy content of this page