Jah Prayzah – Mukwasha Lyrics

Jah Prayzah – Mukwasha Lyrics

Lyrics For Mukwasha By Jah Prayzah

Hee Hee Hee

Kumura ngovani

Pfugama nebvi rimwechete

Motorova gushu mkwasha

 

Denga riye rikatinhira

Tirikuda mbeu neanorima

Motoona yekutamba mkwasha

 

Aah wondimutsa nemutupo

Gara vangoziva kuti ndozviripo

Kana zvakunetsa mwanawangu dzora mkwasha

Uchatenga mombe uchabaya uchavhiya

Uchapura nyemba uchadzura nzungu dziya

Ende baba vati vanoda madhorofiya

Wotomhanya musango mkwasha

 

Pane anendibira pombi yemvura

Kana zondo rangu randanga ndabvura

Vanhu vese vati bvunzai mkwasha

Pakati pevanhu vese varipo

Ndiani watigarira kumhepo

Zvakungonzi bvunzai mkwasha

Ndirikunzwa kuda kurova munhu

Ndirikunzwa kuda kubata munhu

Rega ndimbokurova mkwasha

 

Zvandapfura nekutah

Inga ndakubatirai gwaya

Ndikamora mukoko wangu

Huchi husina mazana

Cheriyacho cheriyoo

Yamakandipa menyai mwana

Nyangwe zvikarema ndoita

Nharo dzaMalema

 

Mkwasha jongwe iro

Muchamhanya naro kusvika maribata

Madzimbuya voda sadza remagaka

Changamire vati vanoda hari mkwasha

Zino rakaora muchando rinobanda

Handina mari yekudzurisa kani mkwasha

 

Vakatemwa nyora kare neimwe n`anga

Vatezvara vangu nharo vanodzikaka

Tungamira mombe ndi Remember

 

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

 

Tsemura danda uratidze ukwasha

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

tibatire foro ndiRemember

 

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

 

Kutakura danda ndokuti mkwasha

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

Asambeni famba nendima

 

Zvandapfura nekutah

Inga ndakubatirai gwaya

Ndikamora mukoko wangu

Huchi husina mazana

Cheriyacho cheriyoo

Yamakandipa menyai mwana

Nyangwe zvikarema ndoita

Nharo dzaMalema

 

Pamoyo pamoyo

Ndipo pagere munzira yerudo

Tichafamba nemo nemo

Zororo remoyo wangu ndiwe unogaramo

Madzoro yerudo anotumwa munhu gere

Akatema muonde akadenha

Akatema muonde akadenha

zvakanaka chihombe zvakanaka

zvakanaka chihombe zvakanaka

 

You cannot copy content of this page