Jah Prayzah – Kwayedza Lyrics

Jah Prayzah – Kwayedza Lyrics

Lyrics For Kwayedza By Jah Prayzah

Wandinzwa ndichinge nzombe kukuma
Zvikanzi shumba inga dzinoruma
Bereka makumbo tiiende chikomanawe
Koinga mabatiro akasiyana
Handingarire seshiri vakomana

Koinga ndiri nhondo inofamba
Dzakatamba chembere dzikatirutsira
Yakange yangove madhara achauya
Zadzisa mukombe tigoukutura
Tamuka ngoma rega kuibvarura

Yakanga yangove goto rinehwema
Tamuka ngoma rega kuipfarura
Kwayedza kwayedza iwe (aiwa aiwa)
Kwayedza kwayedza muzukuru (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kwayedza kwayedza mukuruwe (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Kunganzi chinja mutupo (aiwa)

Daira muzukuru (aiwa)
Unobvuma here? (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)
Vakakuti chinja ruvara (aiwa)
Woita ganda jena (aiwa)
Aiwa unoda here? (aiwa aiwa mukuruwe aiwa)

Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa mukuruwe aiwa)
Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)

Ucharamba uri mutema (aiwa mukuruwe aiwa)
Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana
Mukaona tavamba kugamuchidza takashanda asikana
Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana
Mukaona tatanga kugamuchidza takashanda asikana

Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibura ndomene (hanga)

Kundipa museve usina uta
Ah wandivirimira
Ah mutema wakaoma Ah mutema wakaoma
Kundipa museve usina uta
Ah wandivirimira
Ah mutema wakaoma Ah mutema wakaoma

Wanditi mbwende wandionei?
Wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Wanditi mbwende wandioneiko?
Wandivirimira
Ah mutema wakaoma
Kufamba kwangu mutserendende
Handinyenyerenyedze muberevere (ndinofamba ndega)
Ibvai munzira majerenyenze
Patinotsika mazerendende

Rotochena moyo kuti ngwerewere (ndinofamba ndega)
Ndiani waita mhere mhere?
Kurwira nyama vane mavende
Ndiani waita mhere mhere?
Pamusha pano
Kurwira nyama vane mavende

Hanga yangu (hanga)
Ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
ndakasungira dhibhura ndomene (hanga)
Hanga yangu (hanga)
Ndakanoteya dhibura ndomene (hanga)

Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa)
Mwana wemutema (aiwa)
Ucharamba uri mutema (aiwa mukuruwe aiwa)

You cannot copy content of this page