Jah Prayzah – Gamuchirai Lyrics

Lyrics For Gamuchirai by Jah Prayzah

Zvakanaka hatichadi kurunga mukaka

Zvimwe tichareva tasangana

Zvakadaro zvakanaka

Zvakanaka kunaMwari tingori varanda

Kutonga kwake hakuna mupanda

Tochingoti zvakanaka zvakanaka

Chikomo chiye chakoromoka mambo haya haya

Chikomo chiye chakoromoka mambo haya haya

Varume mvura yadeuka yaierera nherera nherera iyi

Vasikana mvura yadeuka yaierera nherera

Raiva denhe reruzivo mambo

Mwedzi muchena chena chena wee

 

Yanga iri nzou hono yaikuma

Saka mhuru dzinosara naniko

Samanyanga gore rino inga matibaya

Yanga iri nzou hono yaikuma

Saka mhuru dzinosara naniko

Samanyanga gore rino inga matibaya

 

Varume gomba guva ramuchachera

Mweya uchadarika nemugore jena

Mhuka huru we tichasimudzira ndima

Kana masvika motisimbisira dhewa

Varume gomba guva ramuchachera

Mweya uchadarika nemugore jena

Mhuka huru we tichasimudzira ndima

Kana masvika motisimbisira dhewa

 

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

 

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

 

Inga makasakura nzira  mukazarura haiwa iwa

Nzou tirangarirei muriko kunyika inoera haiwa iwa

Tinemoyo inorema yakaramba kudzoreka yaramba baba

Tinemoyo inorema yakaramba kudzoreka yaramba

Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa

Handire handire vasikana musare munyengetere

Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa

Handire handire vasikana musare munyengetere

Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa

Handire handire vasikana musare munyengetere

Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa

Handire handire vasikana musare munyengetere

 

Varume gomba guva ramuchachera

Mweya uchadarika nemugore jena

Mhuka huru we tichasimudzira ndima

Kana masvika motisimbisira dhewa

Varume gomba guva ramuchachera

Mweya uchadarika nemugore jena

Mhuka huru we tichasimudzira ndima

Kana masvika motisimbisira dhewa

 

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

 

Nzira dzamakafamba ndidzoka dzatinoronda

Dzakanakisawo nzou zvamaironga

Ha rufu vakomana runoponda nenherera dzofa nenyoka

Nzira dzamakafamba ndidzoka dzatinoronda

Dzakanakisawo nzou zvamaironga

Ha rufu vakomana runoponda nenherera dzofa nenyoka

 

Mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

Haiwa mai Maria musande gamuchirai

Hona samanyanga igamba chengetai

Kana vasvika muchamutswa nengoma

Zvanaka zvanaka

You cannot copy content of this page