Alick Macheso – Murume Lyrics

Aleck Macheso – Madhuve

Murume kana uchinge washinga kuroora
Chiziva kuti mukadzi ndewako
Usambo mushungurudza
Kusvika pakufunga kuti ko ndasiya nezvanda ndiri here kare
Kokunge kusema kwabvepi ko zve

Murume kana uche washinga kuroora
Chiziva kuti mukadzi ndewako
Usambo mushungurudza
Kusvika pakufunga kuti ko ndasiya nezvanda ndiri kare
Kokunge kusema kwabvepi ko zve

Varume tinokanganhwa kuti isu nemadzimai takasiyana
Ototora mukana nekuti samai vanoyamwisa
Pfungwa nemeso owuna sekuti vato kwegura
Rudo rwake makavigepi

Varume tinokanganhwa kuti isu nemadzimai takasiyana
Ototora mukana nekuti samai vanoyamwisa
Pfungwa nemeso owuna sekuti vato kwegura
Rudo rwake makavigepi
Pfukunura, mayihwe ubude pachena hoo x2

Makore mangani amagara muri baba na mai
Kudai asingade akaenda zvichangotanga
Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima

Makore mangani amagara muri baba na mai
Kudai asingade akaenda zvichangotanga
Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima

Mudzimai anokura rimwe chete
Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe
Mudzimai anokura rimwe chete
Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe

Musikana anokura rimwe chete
Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe

Kana wamudaro
Achafunga zvipi?
Semukadzi wako iye wawasara
Kunyange mururudo otomumusasamura sei

Kana wamudaro
Achafunga zvipi?
Semukadzi wako iye wawasara
Kunyange mururudo otomumusasamura sei

Wodiniko mumwe wangu
Vanamayi we nguva ndiyiyoyi x 3
Ratidzayi varume ndevenyu
VanaBaba , Vanababa we Ratidzayi vadzimayi ndevenyu nguva ndiyiyoyi x 3
Mukomana ratidzawo musikana ndewako

Tagged

You cannot copy content of this page